Psalms 51:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kumutuŋgamiriri wokuimba. Pisarema raDavidi, paŋguʋa yakaȿika muprofita Natani kwaari, iye apinda kunaBati‐sheba. Ndinzwirei tsitsi, Mŋari, nokuɗa kwoʋunyoro bgenyu; Dzimai kuɗarika kwaŋgu nokuɗa kweŋgoni dzenyu zhinji.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Panguva yakauya muprofita Natani kwaari shure kwokuita upombwe kwaDhavhidhi naBhatishebha. [1] Ndinzwirei tsitsi, imi Mwari, nokuda kworudo rwenyu rusingaperi; dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu huru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Munamato wokupfidza Ndinzwireiwo tsitsi Mwari pamusana pemwoyochena wenyu nokuda kwengoni dzenyu zhinji. Pfudzai kukanganisa kwangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndinzwirei tsitsi, Mwari nokuda kwounyoro hwenyu; Dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu zhinji.
Shona 2009?
Ndinzwirei tsitsi, Mwari nokuda kounyoro bwenyu; Dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu zhinji.
Shona SUB 2002 Bible
Ndinzwirei tsitsi, Mwari nokuda kwounyoro hwenyu; Dzimai kudarika kwangu nokuda kwengoni dzenyu zhinji.