Psalms 55:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mashoko omuromo wake akatedza samafuta, Asi kurwa kwakaŋga kuri pamŋoyo pake; Mashoko ake akaŋga ari manyoro kupfuʋura mafuta, Kunyaŋge ɀakaɗaro yaiʋa minondo yakavomorwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mutauro wake unotsvedzerera samafuta, asi kurwa kuri mumwoyo make; mashoko ake anopfavisa kukunda mafuta, asi minondo yakavhomorwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mazwi ake akanga akapfava kupinda mafuta asi ari mapakatwa akazvomorwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mashoko omuromo wake akatedza samafuta, Asi kurwa kwakanga kuri pamwoyo pake; Mashoko ake akanga ari manyoro kupfuura mafuta, Kunyange zvakadaro yaiva minondo yakavhomorwa.
Shona 2009?
Mashoko omuromo wake akatedza samafuta, Asi kurwa kwakanga kuri pamoyo pake; Mashoko ake akanga ari manyoro kupfuura mafuta, Kunyange zvakadaro yaiva minondo yakavhomorwa.
Shona SUB 2002 Bible
Mashoko omuromo wake akatedza samafuta, Asi kurwa kwakanga kuri pamwoyo pake; Mashoko ake akanga ari manyoro kupfuura mafuta, Kunyangwe zvakadaro yaiva minondo yakavhomorwa.