Psalms 55:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuɗa kwenzwi romuʋeŋgi, Nokuɗa kwokumanikidza kwowakaipa; Nokuti ʋanondipomera ɀakaipa, Ʋanonditambudza nokutsamŋa kwaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
pandinonzwa inzwi romuvengi wangu, pandinodzvokorwa navakaipa; nokuti vanodururira matambudziko pamusoro pangu, uye vanondituka mukutsamwa kwavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndadumbirwa ini noruzha rwavavengi pamusana poudzvinyiriri hwavakaipa vanondiunzira nhamo. Vanoita daka neni zvine hasha.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuda kwezwi romuvengi, Nokuda kwokumanikidza kwoakaipa; Nokuti vanondipomera zvakaipa, Vanonditambudza nokutsamwa kwavo.
Shona 2009?
Nokuda kwenzwi romuvengi, Nokuda kokumanikidza kowakaipa;, Nokuti vanondipomera zvakaipa, Vanonditambudza nokutsamwa kwavo.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuda kwezwi romuvengi, Nokuda kwokumanikidza kwoakaipa; Nokuti vanondipomera zvakaipa, Vanonditambudza nokutsamwa kwavo.