Psalms 59:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ini ndicaimba ndicireʋa simba renyu; Ɀirokwaɀo ndicarumbidza tsitsi dzenyu maŋgwanani; Nokuti makaŋga muri nhare yaŋgu yakakwirira, Noʋutiziro bgaŋgu pazuʋa rokutambudzika kwaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ini ndichaimba nezvesimba renyu, ndichaimba nezvorudo rwenyu mangwanani; nokuti imi muri nhare yangu, utiziro hwangu panguva dzokutambudzika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ini ndinoimba ndichirumbidza simba renyu. Ndichaimba ndichidaidzira ndichirumbidza mwoyochena wenyu mangwanani nokuti imi ndimi manga muri nhare yandinozvidzivirira nayo muhondo uye diziro rangu panguva yenhamo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi ini ndichaimba ndichireva simba renyu; Zvirokwazvo ndicharumbidza tsitsi dzenyu mangwanani; Nokuti makanga muri nhare yangu yakakwirira, Noutiziro hwangu pazuva rokutambudzika kwangu.
Shona 2009?
Asi ini ndichaimba ndichireva simba renyu; Zvirokwazvo ndicharumbidza tsitsi dzenyu mangwanani; Nokuti makanga muri nhare yangu yakakwirira, Noutiziro hwangu pazuva rokutambudzika kwangu.
Shona SUB 2002 Bible
Asi ini ndichaimba ndichireva simba renyu; Zvirokwazvo ndicharumbidza tsitsi dzenyu mangwanani; Nokuti makanga muri nhare yangu yakakwirira, Noutiziro hwangu pazuva rokutambudzika kwangu.