Psalms 63:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pisarema raDavidi, paŋguʋa yokugara kwake parenje raJuda. Mŋari, imi muri Mŋari waŋgu; ndicakutȿakai maŋgwanani; Mŋeya waŋgu unenyota kwamuri, nyama yaŋgu inokushuʋai, Panyika yakawoma, inonzwisa nyota, isinemvura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pisarema raDhavhidhi paakanga ari murenje reJudha. [1] Haiwa Mwari, ndimi Mwari wangu, ndinokutsvakai nomwoyo wose; mwoyo wangu une nyota kwamuri, muviri wangu unokupangai, munyika yakaoma uye yasakara isina mvura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kusuwira Mwari Mwari ndimi Mwari wangu ndinokutsvakai ini ndinokufirai nenyota. Nyama yangu inokutakwairirai senyika yakaoma yerenje isina mvura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwari, imi muri Mwari wangu; ndichakutsvakai mangwanani; Mweya wangu unenyota kwamuri, nyama yangu inokushuvai, Panyika yakaoma, inonzwisa nyota, isina mvura.
Shona 2009?
Mwari, imwi muri Mwari wangu; ndichakutsvakai mangwanani; Mweya wangu unenyota kwamuri, nyama yangu inokushuvai, Panyika yakaoma, inonzwisa nyota, isina mvura.
Shona SUB 2002 Bible
Mwari, imi muri Mwari wangu; ndichakutsvakai mangwanani; Mweya wangu une nyota kwamuri, nyama yangu inokushuvai, Panyika yakaoma, inonzwisa nyota, isina mvura.