Psalms 69:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanondiʋeŋga ndisinemhoȿa ʋazhinji kupfuʋura vudzi romusoro waŋgu; Aʋo ʋanoɗa kundiparadza ʋanesimba, kunyaŋge ʋacindiʋeŋga ndisinemhoȿa; Ndakafanira kudzosera ɀandineŋge ndisina‐kutora.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanondivenga ndisina mhosva vakawanda kupfuura bvudzi romusoro wangu; vanondivenga ndisina mhosva vazhinji, avo vanotsvaka kundiparadza. Ndinomanikidzwa kudzosera zvandisina kuba.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanondivenga pasina mhosva, vakawanda kupinda bvudzi romusoro wangu. Vangandiparadze vane simba; vanondirwisa namanyepo. Ndinofanira here kudzorera zvandisina kuba?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanondivenga ndisina mhosva vazhinji kupfuura vhudzi romusoro wangu; Avo vanoda kundiparadza vane simba, kunyange vachindivenga ndisina mhosva; Ndakafanira kudzosera zvandinenge ndisina kutora.
Shona 2009?
Vanondivenga ndisina mhosva vazhinji kupfuura vhudzi romusoro wangu; Avo vanoda kundiparadza vane simba, kunyange vachindivenga ndisina mhosva; Ndakafanira kudzosera zvandinenge ndisina kutora.
Shona SUB 2002 Bible
Vanondivenga ndisina mhosva vazhinji kupfuura vhudzi romusoro wangu; Avo vanoda kundiparadza vane simba, kunyangwe vachindivenga ndisina mhosva; Ndakafanira kudzosera zvandinenge ndisina kutora.