Psalms 71:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kururama kwenyu ʋo, Mŋari, kuri kumsoro‐soro; Iyemi makaita ɀinhu ɀikuru, Mŋari, ndianiko wakafanana nemi?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kururama kwenyu kunosvika kudenga kumusoro, imi Mwari, iyemi makaita zvinhu zvikuru. Haiwa Mwari, ndiani akafanana nemi?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Simba renyu noururami hwenyu Mwari zvinosvika kumatenga-tenga chaiko. Imi makaita zvinhu zvikuru. Mwari ndiani akaita semi?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kururama kwenyuwo, Mwari, kuri kumusoro-soro; Iyemi makaita zvinhu zvikuru, Mwari, ndianiko akafanana nemi?
Shona 2009?
Kururama kwenyuwo, Mwari, kuri kumusoro-soro; Iyemi makaita zvinhu zvikuru, Mwari, ndianiko akafanana nemi?
Shona SUB 2002 Bible
Kururama kwenyuwo, Mwari, kuri kumusoro–soro; Iyemi makaita zvinhu zvikuru, Mwari, ndianiko akafanana nemi?