Psalms 75:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti muruʋoko rwaJehova munomukombe, newaini inopupuma; Uzere neɀakaveŋganiswa, ɀino unoɗurura mauri; Ɀirokwaɀo, ʋakaipa ʋose ʋenyika ʋacaȿina masese awo, nokuanwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muruoko rwaJehovha mune mukombe uzere newaini inopupuma, yakavhenganiswa nezvinonhuwira; anoidururira pasi, uye vakaipa vose vapanyika vanoinwa kusvikira pamasese ayo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti muruoko rwaTENZI mune mukombe une waini inotutuma ina masanganiswa chaiwo anoidurura vakaipa vose vapasi vagoinwa namasese ose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti muruoko rwaJehovha munomukombe, newaini inopupuma; Uzere nezvakavhenganiswa, zvino anodurura mauri; Zvirokwazvo, vakaipa vose venyika vachasvina masese awo, nokuanwa.
Shona 2009?
Nokuti muruoko rwaJehovha munomukombe, newaini inopupuma; Uzere nezvakavhenganiswa, zvino anodurura mauri; Zvirokwazvo, vakaipa vose venyika vachasvina masese awo, nokuamwa.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti muruoko rwaJehovha muno mukombe, newaini inopupuma; Uzere nezvakavhenganiswa, zvino anodurura mauri; Zvirokwazvo, vakaipa vose venyika vachasvina masese awo, nokuanwa.