Psalms 78:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋarege kufanana namadziɓaɓa aʋo, Rwakaŋga ruri rudzi rusiŋgatereri, rwakamukira Mŋari. Rudzi rwakaramba kururamisa mŋoyo yaʋo, Ʋuye mŋeya yaʋo yakaŋga isinokutendeka kunaMŋari.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Havazofanani namadzitateguru avo, rudzi rwakanga rwakasindimara uye rwaimumukira, mwoyo yavo yakanga isingateereri Mwari, mweya yavo yakanga isina kutendeka kwaari.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
uye kuti varege kuita samadzibaba avo vaiva tsvuuramuromo nechizvarwa chakapanduka, vaiva chizvarwa chisina kugadzana mwoyo, vakanga vasina mweya wokutendeka kuna Mwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Varege kufanana namadzibaba avo, Rwakanga ruri rudzi rusingateereri, rwakamukira Mwari. Rudzi rwakaramba kururamisa mwoyo yavo, Uye mweya yavo yakanga isinakutendeka kuna Mwari.
Shona 2009?
Varege kufanana namadzibaba avo, Rwakanga ruri rudzi rusingateereri, rwakamukira Mwari. Rudzi rwakaramba kururamisa moyo yavo, Uye mweya yavo yakanga isina kutendeka kuna Mwari.
Shona SUB 2002 Bible
Varege kufanana namadzibaba avo, Rwakanga ruri rudzi rusingateereri, rwakamukira Mwari. Rudzi rwakaramba ruenzaniso mumwoyo yavo, Uye mweya yavo yakanga isina kutendeka kuna Mwari.