Psalms 84:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀirokwaɀo, shiri yakaɀiwanira imba, Nyeŋganyeŋga yakaɀiwanira ɗendere, painoisa ʋana ʋayo, Ipo pa artari dzenyu, Jehova wehondo, Mambo waŋgu, naMŋari waŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kunyange shiri diki yakazviwanira imba, nenyenganyenga yakazviwanirawo dendere kwaingachochonyera vana vayo, iyo nzvimbo iri pedyo nearitari yenyu, imi Jehovha Wamasimba Ose, Mambo wangu naMwari wangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kunyange nzvidya inowanawo pokugara, kashiri kachizvivakira dendere rako pakanogona kukandirira vana vako kuatari dzenyu imi TENZI wehondo nehondo mambo wangu naMwari wangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvirokwazvo, shiri yakazviwanira imba, Nyenganyenga yakazviwanira dendere, painoisa vana vayo, Ipo paaritari dzenyu, Jehovha wehondo, Mambo wangu, naMwari wangu.
Shona 2009?
Zvirokwazvo, shiri yakazviwanira imba, Nyenganyenga yakazviwanira dendere, painoisa vana vayo, Ipo paaritari dzenyu, Jehovha wehondo, Mambo wangu, naMwari wangu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvirokwazvo, shiri yakazviwanira imba, Nyenganyenga yakazviwanira dendere, painoisa vana vayo, Ipo paatari dzenyu, Jehovha wehondo, Mambo wangu, naMwari wangu.