Psalms 89:2 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndakati: Ŋgoni dzicaʋakwa nokusiŋgaperi; Mucasimbisa kutendeka kwenyu mukuɗeŋga‐ɗeŋga mumene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichaparidza kuti rudo rwenyu runomira rwakasimba nokusingaperi, uye kuti muchasimbisa kutendeka kwenyu kudenga chaiko.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti mwoyochena wenyu uripo nokusingaperi. Kutendeka kwenyu kwakasimba samatenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti ndakati, “Ngoni dzichavakwa nokusingaperi, Muchasimbisa kutendeka kwenyu mukudenga-denga mumene.
Shona 2009?
Nokuti ndakati, "Ngoni dzichavakwa nokusingaperi, Muchasimbisa kutendeka kwenyu mukudenga-denga mumene.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti ndakati, “Ngoni dzichavakwa nokusingaperi, Muchasimbisa kutendeka kwenyu mukudenga–denga mumene.