Psalms 90:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mazuʋa amakore eɗu anoȿika makore makumi manomŋe, Kana tinesimba makore makumi masere; Asi kunyaŋge acikudzwa ndiko kutambudzika nenhamo ɓedzi. Nokuti gare‐gare aenda, nesu tabururuka taenda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uwandu hwamazuva edu hunosvika makore makumi manomwe, kana makumi masere, kana tiine simba; kunyange zvakadaro uwandu hwawo hunongova nhamo nokusuwa, nokuti anokurumidza kupfuura, uye isu tobhururuka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Makore oupenyu hwedu makumi manomwe kune vakasimba vanoita makumi masere asi akanaka acho inongova nhamo namatambudziko, haatani kupera, isuwo tobva tobhururuka toenda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mazuva amakore edu anosvika makore makumi manomwe, Kana tine simba makore makumi masere; Asi kunyange achikudzwa ndiko kutambudzika nenhamo bedzi. Nokuti gare-gare aenda, nesu tabhururuka taenda.
Shona 2009?
Mazuva amakore edu anosvika makore makumi manomwe, Kana tine simba makore makumi masere; Asi kunyange achikudzwa ndiko kutambudzika nenhamo bedzi. Nokuti gare-gare aenda, nesu tabhururuka taenda.
Shona SUB 2002 Bible
Mazuva amakore edu anosvika makore makumi manomwe, Kana tine simba makore makumi masere; Asi kunyangwe achikudzwa ndiko kutambudzika nenhamo bedzi. Nokuti gare–gare aenda, nesu tabhururuka taenda.