Psalms 96:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Itiyi pakati paʋahedeni: Jehova ndiye unoɓata ʋushe; Nyika ʋo yakasimbiswa, kuti irege kuzunuŋguswa; Iye ucatoŋga ʋanhu ɀakarurama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muti pakati pendudzi, “Jehovha ndiye anobata ushe.” Nyika yakanyatsosimbiswa, haingazungunuswi; uye achatonga marudzi nokururama.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Taurai kumarudzi kuti, “TENZI ndiye anotonga, hongu nyika yakanyatsosimba, haitsukunyuki, achatonga marudzi zvine ruenzaniso.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Itiyi pakati pavahedheni, “Jehovha ndiye anobata hushe; Nyikawo yakasimbiswa, kuti irege kuzununguswa; Iye achatonga vanhu zvakarurama.”
Shona 2009?
Itiyi pakati pavahedheni, Jehovha ndiye anobata ushe; Nyikawo yakasimbiswa, kuti irege kuzununguswa; Iye achatonga vanhu zvakarurama."
Shona SUB 2002 Bible
Itiyi pakati pavahedheni, “Jehovha ndiye anobata hushe; Nyikawo yakasimbiswa, kuti irege kuzununguswa; Iye achatonga vanhu zvakarurama.”