Psalms 99:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi naAroni pakati paʋaprista ʋake, NaSamueri pakati paʋanoɗana zita rake; Ʋakaɗana kunaJehova, iye akaʋapindura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi naAroni vakanga vari pakati pavaprista vake, Samueri akanga ari pakati paavo vaidana kuzita rake, vakadana kuna Jehovha akavapindura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi naAroni vaiva vamwe vavapristi vake uye Samueri aiva mumwe wevaidana zita rake, vaidana kuna TENZI iye achivapindura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi naAroni pakati pavapristi vake, NaSamueri pakati pavanodana zita rake; Vakadana kuna Jehovha, iye akavapindura.
Shona 2009?
Mozisi naAroni pakati pavaprista vake, NaSamueri pakati pavanodana zita rake; Vakadana kuna Jehovha, iye akavapindura.
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi naAroni pakati pavapristi vake, NaSamueri pakati pavanodana zita rake; Vakadana kuna Jehovha, iye akavapindura.