Revelation 1:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀakazarurwa ɀaJesu Kristu, ɀaakapiwa naMŋari, kuti aratidze ʋaranda ʋake ɀinhu iɀo ɀinofanira kukurumidza kuitwa; akaɀituma nomutumŋa wake, ndokuziʋisa muranda wake Johane;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari kuti aratidze varanda vake zvinofanira kuitika nokukurumidza. Akazvizivisa nokutumira kwaakaita mutumwa wake kumuranda wake Johani,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvi ndizvo zvakaratidzwa naJesu Kristu zvaakapiwa naMwari kuti aratidze varanda vake, zvichaitika nokukurumidza. Akazvizivisa nokutumira mutumwa wake kumuranda wake Johani
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvakapiwa naMwari, kuti aratidze varanda vake zvinhu izvo zvinofanira kukurumidza kuitwa; akazvituma nomutumwa wake, ndokuzivisa muranda wake Johani;
Shona 2009?
Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvaakapiwa naMwari, kuti aratidze varanda vake zvinhu izvo zvinofanira kukurumidza kuitwa; akazvituma nomutumwa wake, ndokuzivisa muranda wake Johwani;
Shona SUB 2002 Bible
Zvakazarurwa zvaJesu Kristu, zvakapiwa naMwari, kuti aratidze varanda vake zvinhu izvo zvinofanira kukurumidza kuitwa; akazvituma nomutumwa wake, ndokuzivisa muranda wake Johani,