Revelation 1:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakaropafadzwa uyo unoraʋa, naʋanonzwa mashoko okuprofita, ʋaciceŋgeta ɀakanyorwa imomo, nokuti ŋguʋa yaʋa pedyo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akaropafadzwa uyo anoverenga mashoko ouprofita uhu, uye vakaropafadzwa avo vanohunzwa uye vagochengeta pamwoyo yavo zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedyo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akakomborerwa zvake uyo anoverenga mazwi okuporofita aya. Vakakomborerwawo vanonzwa uye vanochengeta zvakanyorwamo nokuti nguva yavapedyo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akaropafadzwa uyo anorava, navanonzwa mashoko okuporofita, vachichengeta zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedyo.
Shona 2009?
Wakaropafadzwa uyo unorava, navanonzwa mashoko okuporofita, uku vachichengeta zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedo.
Shona SUB 2002 Bible
Akaropafadzwa uyo anorava, navanonzwa mashoko okuporofita, vachichengeta zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedyo.