Revelation 1:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ini Johane, hama yenyu, mugoʋerani pamŋe cete nemi pakutambudzika, noʋushe, nokutsuŋgirira munaJesu, ndakaŋga ndiri paciwi cinonzi Patmosi, nokuɗa kweshoko raMŋari, nokwokupupura kwaJesu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ini Johani, hama yenyu nomufambidzani wenyu mumatambudziko, muumambo, nomukutsungirira nomwoyo murefu wedu muna Jesu, ndakanga ndiri pachitsuwa chePatimosi nokuda kweshoko raMwari uye nouchapupu hwaJesu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndini Johani hama yenyu ndinoshamwaridzana nemi muna Jesu munhamo uye tiri pasi poumambo humwechete uyezve mukutsungirira kutirira. Ndakanga ndiri pachitsuwa chinonzi Patimosi pamusana peshoko raMwari uye pamusana pokupupurira Jesu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ini Johani, hama yenyu, mugoverani pamwechete nemi pakutambudzika, noushe, nokutsungirira muna Jesu, ndakanga ndiri pachiwi chinonzi Patimosi, nokuda kweshoko raMwari, nokwokupupura kwaJesu.
Shona 2009?
Ini Johwani, hama yenyu, mugoverani pamwe chete nemwi pakutambudzika, novushe, nokutsungirira munaJesu, Kristu ndakanga ndiri pachiwi chinonzi Patimosii, nokuda kweshoko raMwari, nokupupura muna Jesu Kristu.
Shona SUB 2002 Bible
Ini Johani, hama yenyu, mugoverani pamwechete nemi pakutambudzika, noushe, nokutsungirira muna Jesu, ndakanga ndiri pachiwi chinonzi Patimosi, nokuda kweshoko raMwari, nokwokupupura kwaJesu.