Revelation 10:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndakaʋona mumŋe mutumŋa unesimba aciɓuruka kuɗeŋga, akapfeka gore; muraraʋuŋgu wakaŋga uri pamusoro wake, ciso cake cakaŋga cakaita sezuʋa, netsoka dzake sembiru dzomŋoto.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo ndakaona mumwe mutumwa ane simba achiburuka kubva kudenga. Akanga akafukidzwa mugore, nomuraravungu pamusoro pake; chiso chake chakanga chakaita sezuva, uye makumbo ake akanga akaita sembiru dzomoto.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakazoona mumwe mutumwa ane simba achibva kudenga akaputirwa negore aine muraraungu pamusoro pake. Uso hwake hwakanga hwakaita sezuva; makumbo ake akanga akaita semisimboti yemoto.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndakaona mumwe mutumwa ane simba achiburuka kudenga, akapfeka gore; muraraungu wakanga uri pamusoro wake, chiso chake chakanga chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzomoto.
Shona 2009?
Zvino ndakavona mumwe mutumwa unesimba achiburuka kudenga, akapfeka gore; murarabungu wakanga uri pamusoro wake, chiso chake chakanga chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzomoto.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndakaona mumwe mutumwa ane simba achiburuka kudenga, akapfeka gore; muraraungu wakanga uri pamusoro wake, chiso chake chakanga chakaita sezuva, netsoka dzake sembiru dzomoto.