Revelation 10:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kutinhira kunomŋe kwakati kwareʋa, ndakaŋga ndonyora, ndikanzwa inzwi ricibva kuɗeŋga, riciti: Zarira ɀarebga nokutinhira kunomŋe, usaɀinyora.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye kutinhira kunomwe kwakati kwataura, ndakanga ndava kunyora; asi ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti, “Namira zvarehwa nokutinhira kunomwe uye usazvinyora pasi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pakadhiriridza mheni nomwe dziya ndakanga ndava kuda kunyora, asi ndakanzwa izwi richibva kudenga richiti, “Ingochengetedza zvataurwa nemheni nomwe usazvinyoreba.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kutinhira kunomwe kwakati kwareva, ndakanga ndonyora, ndikanzwa izwi richibva kudenga, richiti, “Zarira zvarehwa nokutinhira kunomwe, usazvinyora.”
Shona 2009?
Zvino kutinhira kunomwe kwakati kwareva, ndakanga ndonyora, ndikanzwa inzwi richibva kudenga, richiti kwandiri: Zarira zvarebwa nokutinhira kunomwe, usazvinyora.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kutinhira kunomwe kwakati kwareva, ndakanga ndonyora, ndikanzwa izwi richibva kudenga, richiti, “Zarira zvarehwa nokutinhira kunomwe, usazvinyora.”