Revelation 10:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo inzwi riya randakanzwa ricibva kuɗeŋga, rakataura ɀe kwandiri, riciti: Enda utore buku yakazaruka iri muruʋoko rwomutumŋa, umire pamsoro peguŋgwa napamsoro penyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo inzwi randakanga ndanzwa richibva kudenga rakataurazve kwandiri richiti, “Enda, utore bhuku rakapetwa rakazarurwa muruoko rwomutumwa amire pagungwa napanyika.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo izwi randakambenge ndanzwa mudenga rakataurazve kwandiri richiti, “Enda undotora bhuku rokumononora rakazaruka riri muruoko rwomutumwa akamira akatsika pagungwa napanyika.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo izwi riya randakanzwa richibva kudenga, rakataurazve kwandiri, richiti, “Enda utore bhuku rakazaruka riri muruoko rwomutumwa, amire pamusoro pegungwa napamusoro penyika.”
Shona 2009?
Ipapo inzwi riya randakanzwa richibva kudenga, rakataura zve kwandiri, richiti: Enda utore bhuku yakazaruka iri muruvoko rwomutumwa, umire pamusoro pegungwa napamusoro penyika.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo izwi riya randakanzwa richibva kudenga, rakataurazve kwandiri, richiti, “Enda utore bhuku rakazaruka riri muruoko rwomutumwa, amire pamusoro pegungwa napamusoro penyika.”