Revelation 10:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikaenda kumutumŋa, ndikati kwaari: Ndipei buku ɗuku. Iye akati kwandiri: Tora, uidye; icaʋaʋisa muɗumbu mako, asi mumuromo mako icanaka soʋuci.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka ndakaenda kumutumwa ndikamukumbira kuti andipe bhuku duku rakapetwa. Akati kwandiri, “Tora uridye. Richavavisa dumbu rako, asi mumuromo mako richatapira souchi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino ndakaenda kumutumwa ndikamuti andipe kabhuku kaya kokumononora. Iye akanditi, “Tora ukadye. Kachavava munhumbu mako, asi iko kachitapira souchi mukanwa mako.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikaenda kumutumwa, ndikati kwaari, “Ndipei bhuku duku.” Iye akati kwandiri, “Tora, uridye, richavavisa mudumbu mako, asi mumuromo mako richanaka souchi.”
Shona 2009?
Ndikaenda kumutumwa, ndikati kwaari: Ndipei bhuku duku. Iye akati kwandiri: Tora, uidye; ichavavisa mudumbu mako, asi mumuromo mako ichanaka sovuchi.
Shona SUB 2002 Bible
Ndikaenda kumutumwa, ndikati kwaari, “Ndipei bhuku duku.” Iye akati kwandiri, “Tora, uridye, richavavisa mudumbu mako, asi mumuromo mako richanaka souchi.”