Revelation 11:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndakapiwa rutsaŋga rwakaita somuɗonɀo; ɀikanzi: Simuka, uyere tembere yaMŋari, neartari, naʋanonamata mairi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakapiwa rutsanga rwakaita setsvimbo yokuyera uye ndikaudzwa kuti, “Enda undoyera temberi yaMwari uye nearitari, ugoverenga vanamati vari imomo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakapiwa karutanda kokueresa kanenge mudonzvo ndikanzi, “Simuka uyere Temberi yaMwari neatari uverengewo vanonamatamo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndakapiwa rutsanga rwakaita somudonzvo; zvikanzi, “Simuka, uere temberi yaMwari, nearitari, navanonamata mairi.
Shona 2009?
Zvino ndakapiwa rutsanga rwakaita somudonzvo; mutumwa akati: Simuka, uyere tembere yaMwari, nearitari, navanonamata mairi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndakapiwa rutsanga rwakaita somudonzvo; zvikanzi, “Simuka, uere temberi yaMwari, neatari, navanonamata mairi.