Revelation 11:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino neŋguʋa iyo kuɗeŋgenyika kwenyika kwakaʋa’po, cegumi ceguta cikaputsikira pasi, naʋanhu ʋaneɀuru ɀinomŋe ʋakaʋurawa nokuɗeŋgenyika; ʋakasara ʋakatya, ʋakarumbidza Mŋari wokuɗeŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Panguva yacho iyoyo kwakava nokudengenyeka kukuru kwenyika uye chegumi cheguta chikawondomoka. Zviuru zvinomwe zvavanhu zvakaurayiwa mukudengenyeka kwenyika ikoko, uye vakasara vakavhundutswa nazvo uye vakarumbidza Mwari wokudenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Panguva iyo pakava nokundengendeka kukuru chikamu chavanhu chimwechete pazvikamu gumi zvakaenzana chakati rakata pasi. Vanhu vaisvika zviuru zvinomwe vakauraiwa mukundengendeka kwapasi vamwe vose vakabatwa nokutya vakapa mbiri kuna Mwari wedenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino nenguva iyo kudengenyeka kwenyika kwakavapo, chegumi cheguta chikaputsikira pasi, navanhu vane zviuru zvinomwe vakaurawa nokudengenyeka; vakasara vakatya, vakarumbidza Mwari wokudenga.
Shona 2009?
Zvino nenguva iyo kudengenyeka kwenyika kwakavapo, chegumi cheguta chikaputsikira pasi, navanhu vanezvuru zvinomwe vakavurawa nokudengenyeka; vakasara vakatya, vakarumbidza Mwari wokudenga.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino nenguva iyo kudengenyeka kwenyika kwakavapo, chegumi cheguta chikaputsikira pasi, navanhu vane zviuru zvinomwe vakaurayiwa nokudengenyeka; vakasara vakatya, vakarumbidza Mwari wokudenga.