Revelation 11:18 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Marudzi akatsamŋa, nokutsamŋa kwenyu kwakaȿika, neŋguʋa yaʋakafa, kuti ʋatoŋgwe, ʋuye kuti mupe ʋaranda ʋenyu muɓairo, iʋo ʋaprofita, naʋatȿene, naʋanotya zita renyu, ʋaɗuku naʋakuru; ʋuye kuti muparadze aʋo ʋanoparadza nyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndudzi dzakatsamwa; uye hasha dzenyu dzauya. Nguva yokutonga vakafa yasvika, neyokupa varanda venyu vaprofita mubayiro, uye navatsvene venyu naavo vanotya zita renyu, zvose vaduku navakuru, uye neyokuparadza avo vanoparadza nyika.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vechirudzi vakaita bope asi makavavirukira nehasha uye nguva yokutongwa kwavakafa neyokupa mubayiro kuvaranda venyu, vaporofita navatsvene navanotya zita renyu vakuru navadiki yasvika, nguva yokuparadza mharadzi dzapasi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Marudzi akatsamwa, nokutsamwa kwenyu kwakasvika, nenguva yavakafa, kuti vatongwe, uye kuti mupe varanda venyu mubayiro, ivo vaporofita, navatsvene, navanotya zita renyu, vaduku navakuru; uye kuti muparadze avo vanoparadza nyika.”
Shona 2009?
Marudzi akatsamwa, nokutsamwa kwenyu kwakasvika, nenguva yavakafa, kuti vatongwe, uye kuti mupe varanda venyu mubairo, ivo vaporofita, navatsvene, navanotya zita renyu, vaduku navakuru; uye kuti muparadze avo vanoparadza nyika.
Shona SUB 2002 Bible
Marudzi akatsamwa, nokutsamwa kwenyu kwakasvika, nenguva yavakafa, kuti vatongwe, uye kuti mupe varanda venyu mubairo, ivo vaporofita, navatsvene, navanotya zita renyu, vaduku navakuru; uye kuti muparadze avo vanoparadza nyika.”