Revelation 11:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo tembere yaMŋari iri kuɗeŋga yakazarurwa; areka yesuŋgano ikaʋonekwa mutembere yake; ipapo kwakaʋa’po mheni, namanzwi, nokutinhira, nokuɗeŋgenyika kwenyika, necimvuramabge cikuru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo temberi yaMwari iri kudenga yakazarurwa, uye mukati metemberi yake makaonekwa areka yake yesungano. Uye ipapo kwakava nokupenya kwemheni, muroromero, maungira omutinhiro, kudengenyeka nemvura yechimvuramabwe yakawanda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Temberi yaMwari yokudenga yakazarurwa Bhokisi rake reChitenderano rakaonekwa muTemberi make pakavaima mheni, pakadhirima, mheni ikadhiriridza pakaita kundengendeka kwapasi nechivhuramahwe chakawanda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo temberi yaMwari iri kudenga yakazarurwa; areka yesungano ikaonekwa mutemberi yake; ipapo kwakavapo mheni, namazwi, nokutinhira, nokudengenyeka kwenyika, nechimvuramabwe chikuru.
Shona 2009?
Ipapo tembere yaMwari iri kudenga yakazarurwa; areka yesungano ikavonekwa mutembere yake; ipapo kwakavapo mheni, namanzwi, nokutinhira, nokudengenyeka kwenyika, nechimvuramabwe chikuru.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo temberi yaMwari iri kudenga yakazarurwa; areka yesungano ikaonekwa mutemberi yake; ipapo kwakavapo mheni, namazwi, nokutinhira, nokudengenyeka kwenyika, nechimvuramabwe chikuru.