Revelation 11:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana kunomunhu unoɗa kuʋakuʋadza, mŋoto ucaɓuɗa mumiromo yaʋo uciparadza ʋaʋeŋgi ʋaʋo; kana kunomunhu unoɗa kuʋakuʋadza, unofanira kuʋurawa saiɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana munhu upi zvake akaedza kuvakuvadza, moto unobuda mumiromo yavo ugoparadza vavengi vavo. Aya ndiwo mafiro achaita ani zvake anoda kuvakuvadza.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana munhu akavakuvadza, moto uchabva mukanwa mavo uchiroromesa vavengi vavo. Kana munhu akavakuvadza anouraiwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana kunomunhu anoda kuvakuvadza, moto uchabuda mumiromo yavo uchiparadza vavengi vavo; kana kuno munhu anoda kuvakuvadza, anofanira kuurawa saizvozvo.
Shona 2009?
Kana kunomunhu unoda kuvakuvadza, moto uchabuda mumiromo yavo uchiparadza vavengi vavo; kana kunomunhu unoda kuvakuvadza, unofanira kuvurawa saizvozvo.
Shona SUB 2002 Bible
Kana kuno munhu anoda kuvakuvadza, moto uchabuda mumiromo yavo uchiparadza vavengi vavo; kana kuno munhu anoda kuvakuvadza, anofanira kuurayiwa saizvozvo.