Revelation 11:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanesimba rokuzarira ɗeŋga, kuti mvura irege kunaya namazuʋa okuprofita kwaʋo; ʋanesimba pamsoro pemvura kuti ʋaishandure iʋe ropa, nokuroʋa nyika namaɗambudziko ose neŋguʋa dzose dzaʋanoɗa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varume ava vane simba rokuzarira denga kuti mvura irege kunaya panguva yavanenge vachiprofita; uye vane simba rokushandura mvura kuti ive ropa nokurova nyika namatenda amarudzi ose sapavanodira zvavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vane simba rokupfiga denga kuti mvura irege kunaya pamazuva ukuporofita kwavo. Vane simba pamusoro pemvura rokuipindura kuva ropa uye rokurova nyika namatenda pavanenge vangodira zvavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vane simba rokuzarira denga, kuti mvura irege kunaya namazuva okuporofita kwavo; vane simba pamusoro pemvura kuti vaishandure ive ropa, nokurova nyika namadambudziko ose nenguva dzose dzavanoda.
Shona 2009?
Vanesimba rokuzarira denga, kuti mvura irege kunaya namazuva okuporofita kwavo; vanesimba pamusoro pemvura kuti vaishandure ive ropa, nokurova nyika namatambudziko ose nenguva dzose dzavanoda.
Shona SUB 2002 Bible
Vane simba rokuzarira denga, kuti mvura irege kunaya namazuva okuporofita kwavo; vane simba pamusoro pemvura kuti vaishandure ive ropa, nokurova nyika namatambudziko ose nenguva dzose dzavanoda.