Revelation 12:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kuɗeŋga kwakaʋonekwa ciratidzo cikuru ici: Mukadzi, wakaŋga akapfeka zuʋa, mŋedzi uri pasi petsoka dzake, napamusoro wake korona inenyeredzi dzinegumi nembiri;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Chiratidzo chikuru uye chinoshamisa chakaonekwa kudenga: mukadzi akanga akapfeka zuva, uye mwedzi uri pasi petsoka dzake, nekorona ine nyeredzi gumi nembiri pamusoro wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino mudenga makaonekwa chiratidzo chinokatyamadza chomudzimai akatenderedzwa nezuva mwedzi uri pasi petsoka dzake, aine ndaza mumusoro yenyenyedzi gumi nembiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kudenga kwakaonekwa chiratidzo chikuru ichi: Mukadzi, akanga akapfeka zuva, mwedzi uri pasi petsoka dzake, napamusoro wake korona ine nyeredzi dzine gumi nembiri;
Shona 2009?
Zvino kudenga kwakavonekwa chiratidzo chikuru ichi: Mukadzi, wakanga akapfeka zuva, mwedzi uri pasi petsoka dzake, napamusoro wake korona inenyeredzi dzinegumi nembiri;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kudenga kwakaonekwa chiratidzo chikuru ichi: Mukadzi, akanga akapfeka zuva, mwedzi uri pasi petsoka dzake, napamusoro wake korona ine nyenyedzi dzine gumi nembiri;