Revelation 12:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndikanzwa inzwi guru kuɗeŋga, riciti: Ɀino ruponeso rwaȿika, nesimba, noʋushe bgaMŋari weɗu, noʋumambo bgaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzeɗu wakakandirwa pasi, wakaʋapomera pamberi paMŋari weɗu masikati noʋusiku.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo ndakanzwa inzwi guru kudenga richiti: “Zvino ruponeso nesimba noumambo hwaMwari wedu zvasvika, uye nesimba raKristu wake. Nokuti mupomeri wehama dzedu, Iye akavapomera pamberi paMwari wedu masikati nousiku, akandwa panyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakazonzwa izwi guru mudenga richiti, “Zvino ruponeso nesimba noumambo hwaMwari wedu noukuru hwaMesia wake zvauya nokuti mupomeri wehama dzedu akakandidzirwa pasi; ndiye uya anovapomera mhosva siku nesikati pamberi paMwari wedu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndikanzwa izwi guru kudenga, richiti, “Zvino ruponeso rwasvika, nesimba, noushe hwaMwari wedu, noumambo hwaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzedu wakakandirwa pasi, wakavapomera pamberi paMwari wedu masikati nousiku.
Shona 2009?
Ndikanzwa inzwi guru kudenga, richiti: Zvino ruponeso rwasvika, nesimba, novushe bwaMwari wedu, novumambo bwaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzedu wakakandirwa pasi, wakavapomera pamberi paMwari we du masikati novusiku.
Shona SUB 2002 Bible
Ndikanzwa izwi guru kudenga, richiti, “Zvino ruponeso rwasvika, nesimba, noushe hwaMwari wedu, noumambo hwaKristu wake; nokuti mupomeri wehama dzedu wakakandirwa pasi, wakavapomera pamberi paMwari wedu masikati nousiku.