Revelation 12:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mukadzi akapiwa mapapiro maʋiri egondo guru, kuti abururukire kurenje kunɀimbo yake, kwaanoceŋgeterwa ŋguʋa nedzimŋe ŋguʋa nehafu yeŋguʋa, kwaasiŋgaʋonekwi nenyoka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukadzi akapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuitira kuti agobhururuka achienda kunzvimbo yaakanga agadzirirwa kugwenga, uko kwaaizochengetwa kwenguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, kusingasviki nyoka.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi mudzimai akanga apiwa mapapiro maviri egondo guru kuti abhururukire kugwenga achitiza nyoka iya kunzvimbo yaaizoriritirwa kwamakore matatu ane hafu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mukadzi akapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuti abhururukire kurenje kunzvimbo yake, kwaanochengeterwa nguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, kwaasingaonekwi nenyoka.
Shona 2009?
Ipapo mukadzi akapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuti abururukire kurenje kunzvimbo yake, kwaanochengeterwa nguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, kwaasingavonekwi nenyoka.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mukadzi akapiwa mapapiro maviri egondo guru, kuti abhururukire kurenje kunzvimbo yake, kwaanochengeterwa nguva nedzimwe nguva nehafu yenguva, kwaasingaonekwi nenyoka.