Revelation 12:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Rumhinda rwayo rukakweʋa cetatu cenyeredzi dzokuɗeŋga, ndokudzikandira pasi panyika; shato iyo ikamira pamberi pomukadzi wakaŋga oɀara, kuti iparadze mŋana wake kana aɀara.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muswe wayo wakatsvaira chetatu chenyeredzi kubva kudenga uye ukadzikanda pasi. Shato yakamira pamberi pomukadzi akanga ava kuzvara, kuitira kuti iparadze mwana wake kana angozvarwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muswe waro wakakumba chikamu chechitatu chenyenyedzi dzedenga ukadzikanda pasi. Zigaranyanya riya rakandomira pamberi pomudzimai akanga ava kuda kusununguka mwana kuti ridye mwana wake paanongomupona.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muswe wayo ukakweva chetatu chenyeredzi dzokudenga, ndokudzikandira pasi panyika; shato iyo ikamira pamberi pomukadzi akanga ozvara, kuti iparadze mwana wake kana azvara.
Shona 2009?
Rumhinda rwayo rwakakweva chetatu chenyeredzi dzokudenga, ndokudzikandira pasi panyika; shato iyo ikamira pamberi pomukadzi wakanga ozvara, kuti iparadze mwana wake kana azvara.
Shona SUB 2002 Bible
Muswe wayo ukakweva chetatu chenyenyedzi dzokudenga, ndokudzikandira pasi panyika; shato iyo ikamira pamberi pomukadzi akanga ozvara, kuti iparadze mwana wake kana azvara.