Revelation 12:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akaɀara mŋana womukomana, unozofudza marudzi ose netȿimbo yeɗare; mŋana wake ndokutorwa kunaMŋari, nokucigaro cake coʋushe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akazvara mwanakomana, munhurume, achazotonga ndudzi dzose netsvimbo yesimbi. Uye mwana wake akatorwa akaendeswa kuna Mwari nokuchigaro chake choushe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akasununguka mwana mukomana aizotonga marudzi ose avanhu netsvimbo yesimbi. Mwana akabva anzi hwetu kuendwa naye kuna Mwari nokuchigaro chake choumambo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akazvara mwana womukomana, anozofudza marudzi ose netsvimbo yedare; mwana wake ndokutorwa kuna Mwari, nokuchigaro chake choushe.
Shona 2009?
Akazvara mwana womukomana, unozofudza marudzi ose netsimbo yedare; mwana wake ndokutorwa kunaMwari, nokuchigaro chake chovushe.
Shona SUB 2002 Bible
Akazvara mwana womukomana, anozofudza marudzi ose netsvimbo yedare; mwana wake ndokutorwa kuna Mwari, nokuchigaro chake choushe.