Revelation 12:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Diaborosi, naSatani, munyeŋgeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, naʋatumŋa ʋayo ʋakakandirwa pasi pamŋe cete nayo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shato huru yakakandwa pasi, iyo nyoka yekare inonzi dhiabhori, kana kuti Satani, anotsausa nyika yose. Akakandwa panyika pamwe chete navatumwa vake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zigaranyanya guru riya rakakandidzirwa pasi, ndiyo nyoka iya yapasichigare inonzi Dhiabhori kana kuti Satani munyengedzi wapasi pose. Akakandidzirwa pasi; vatumwa vake vakakandidzirwawo pasi pamwechete naye.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Dhiabhori, naSatani, munyengeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, navatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwechete nayo.
Shona 2009?
Zvino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Dhiyabhorosi, naSatani, munyengeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, navatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwe chete nayo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino shato huru yakakandirwa pasi, iyo nyoka yekare, inonzi Dhiabhori, naSatani, munyengeri wenyika yose; yakakandirwa panyika, navatumwa vayo vakakandirwa pasi pamwechete nayo.