Revelation 13:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana munhu acitapa, ucatapxa; kana munhu aciʋuraya nomunondo unofanira kuʋurawa nomunondo. Ndipo panokutsuŋgirira nokutenda kwaʋatȿene.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana munhu achifanira kupinda muutapwa, muutapwa achapinda hake. Kana munhu achifanira kuurayiwa nomunondo, nomunondo achaurayiwa hake. Apa ndipo panodikanwa kutsungirira nokutendeka kwavatsvene.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Anenge achifanira kutapwa anotapwa anouraya munhu nebakatwa, anofanira kuuraiwawo nebakatwa. Ndikoka kutirira uye chitendero chinodiwa pavatsvene.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana munhu achitipa, achatapwa; kana munhu achiuraya nomunondo anofanira kuurawa nomunondo. Ndipo panokutsungirira nokutenda kwavatsvene.
Shona 2009?
Kana munhu achitapa, uchatapwa, kana munhu achivuraya nomunondo unofanira kuvurawa nomunondo. Ndipo pano kutsungirira nokutenda kwavatsvene.
Shona SUB 2002 Bible
Kana munhu achitapa, achatapwa; kana munhu achiuraya nomunondo anofanira kuurayiwa nomunondo. Ndipo panokutsungirira nokutenda kwavatsvene.