Revelation 13:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Cinoɓata namasimba ose ecikara cokutaŋga pamberi paco. Cinomanikidza nyika naʋagere mukati mayo kuti ʋanamate cikara cokutaŋga, ciya cakapora ʋaŋga rokuʋuraya raco.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Chakashandisa simba rose rechikara chokutanga pachinzvimbo chacho, uye chakaita kuti nyika navageremo vanamate chikara chokutanga, chiya chakanga chapora vanga racho raifanira kuchiuraya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ichi chaiva namasimba ose echikara chokutanga chichiita kuti pasi navagari vapo vagwadamire vachinamata chikara chokutanga chakanga chiine ronda rakaipisisa rakanga rapora.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Chinobata namasimba ose echikara chokutanga pamberi pacho. Chinomanikidza nyika navagere mukati mayo kuti vanamate chikara chokutanga, chiya chakapora vanga rokuuraya racho.
Shona 2009?
Chinobata namasimba ose echikara chokutanga pamberi pacho. Chinomanikidza nyika navagere mukati mayo kuti vanamate chikara chokutanga, chiya chinevanga raifanira kuchivuraya.
Shona SUB 2002 Bible
Chinobata namasimba ose echikara chokutanga pamberi pacho. Chinomanikidza nyika navagere mukati mayo kuti vanamate chikara chokutanga, chiya chakapora vanga rokuuraya racho.