Revelation 13:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
cinonyeŋgera ʋanogara panyika neɀiratidzo ɀacakapiwa kuti ciɀiite pamberi pecikara; ciciti kunaʋanogara panyika kuti ʋaitire cikara mufananidzo, ciya cakaŋga cineʋaŋga romunondo cikararama.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuda kwesimba rachakapiwa kuti chiite pachinzvimbo chechikara chokutanga, chakanyengera vanogara panyika. Chakavarayira kuti vamise chifananidzo chokuremekedza chikara chiya chakanga chakuvadzwa nomunondo asi chikararama.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nezvishamiso izvozvo zvachaibvumirwa kuita pamberi pechikara chiya chainyengedza vagari vapasi, chichivati vaite chifananidzo chechikara chakakuvadzwa nebakatwa chiya, asi chikararama.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
chinonyengera vanogara panyika nezviratidzo zvachapiwa kuti chizviite pamberi pechikara; chichiti kuna vanogara panyika kuti vaitire chikara mufananidzo, chiya chakanga chine vanga romunondo chakararama.
Shona 2009?
chinonyengera vanogara panyika nezviratidzo zvachakapiwa kuti chizviite pamberi pechikara; chichiti kunavanogara panyika kuti vaitire chikara mufananaidzo, chiya chakanga chinevanga romunondo chakararama.
Shona SUB 2002 Bible
chinonyengera vanogara panyika nezviratidzo zvachapiwa kuti chizviite pamberi pechikara; chichiti kuna vanogara panyika kuti vaitire chikara mufananidzo, chiya chakanga chine vanga romunondo chakararama.