Revelation 13:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndipo panokucenjera. Unoziʋa, ŋgaaʋereŋge ciʋereŋgo cecikara; nokuti ciʋereŋgo ndecomunhu; ciʋereŋgo caco ndimazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Izvi zvinoda uchenjeri. Kana pano munhu anoziva, ngaaverenge chiverengo chechikara, nokuti ndicho chiverengo chomunhu. Chiverengo chacho ndichochi: Mazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pano apa panodiwa ungwaru. Munhu anonzwisisa ngaatsvage azive zvinorehwa nenhamba iyoyo yechikara nokuti ari kurehwa nenhamba iyoyo munhu. Nhamba yacho mazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndipo panokuchenjera. Anoziva, ngaaverenge chiverengo chechikara; nokuti chiverengo ndechomunhu; chiverengo chacho ndimazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.
Shona 2009?
Ndipo panokuchenjera. Unoziva, ngaaverenge chiverengo chechikara; nokuti chiverengo ndechomunhu; chiverengo chacho ndimazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.
Shona SUB 2002 Bible
Ndipo panokuchenjera. Anoziva, ngaaverenge chiverengo chechikara; nokuti chiverengo ndechomunhu; chiverengo chacho ndimazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu.