Revelation 13:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakanamata shato, nokuti yakapa cikara masimba; ʋakanamata cikara, ʋaciti: Ndianiko wakafanana necikara? Ndianiko unogona kurwa naco?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanhu vakanamata shato nokuti yakanga yapa simba kuchikara, uye vakanamatawo chikara vachiti, “Ndianiko akaita sechikara? Ndianiko angarwa nacho?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vakagwadama vachinamata zigaranyanya riya nokuti rakanga rapa simba raro kuchikara uye vakagwadama vachinamata chikara chiya vachiti, “Ndiani angaenzaniswe nechikara uye ndiani angarwisane nacho?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakanamata shato, nokuti yakapa chikara masimba; vakanamata chikara, vachiti, “Ndianiko akafanana nechikara? Ndianiko anogona kurwa nacho?”
Shona 2009?
Vakanamata shato, nokuti yakapa chikara masimba; vakanamata chikara, vachiti: Ndianiko wakafanana nechikara? Ndianiko unogona kurwa nacho?
Shona SUB 2002 Bible
Vakanamata shato, nokuti yakapa chikara masimba; vakanamata chikara, vachiti, “Ndianiko akafanana nechikara? Ndianiko anogona kurwa nacho?”