Revelation 14:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndakatarira, ndikaʋona Gwaiana rimire pagomo reZioni, rina ʋamŋe ʋaneɀuru ɀinezana namakumi manna naʋanna, ʋanezita raro, nezita raƂaɓa ʋaro, rakanyorwa pahuma dzaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo ndakatarisa, uye ipapo pamberi pangu pakanga pane Gwayana, rimire paGomo reZioni, uye rakanga rina vanhu zviuru zana namakumi mana navana vakanga vakanyorwa zita raro nezita raBaba varo pahuma dzavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakati tarisei ndikaona pagomo reZioni pakamira Hwayana iina vanhu zviuru zana namakumi mana ane zvina vakanga vakanyorwa pahuma dzavo zita rayo nezita raBaba wayo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndakatarira, ndikaona Gwayana rimire pagomo reZioni, rinavamwe vane zviuru zvinezana namakumi mana navana, vanezita raro, nezita raBaba varo, rakanyorwa pahuma dzavo.
Shona 2009?
Zvino ndakatarira, ndikavona gwayana rimire pagomo reZiyoni, rinavamwe vanezvuru zvinezana namakumi mana navana, vanezita raro, nezita raBaba varo, rakanyorwa pahuma dzavo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndakatarira, ndikaona Gwayana rimire pagomo reZioni, rina vamwe vane zviuru zvine zana namakumi mana navana, vane zita raro, nezita raBaba varo, rakanyorwa pahuma dzavo.