Revelation 14:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
naiye ucanwa ʋo waini yokutsamŋa kwaMŋari, yakaɗirwa isina‐kuveŋganiswa mumukombe wehasha dzake; ucatambudzwa mumŋoto nesurferi pamberi paʋatumŋa ʋatȿene, napamberi peGwaiana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
naiyewo achanwa waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa sezvairi mumukombe wehasha dzaMwari. Achatambudzwa nesafuri inopfuta pamberi pavatumwa vatsvene napamberi peGwayana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
achanwawo waini yehasha dzaMwari inodirwa isina kudirwa mvura mumukombe wehasha dzake. Acharwadziswa nomoto nesarufa pamberi pavatumwa vatsvene napamberi peHwayana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
naiye achanwawo waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa isina kuvhenganiswa mumukombe wehasha dzake; achatambudzwa mumoto nesuriferi pamberi pavatumwa vatsvene, napamberi peGwayana.
Shona 2009?
naiye uchamwa vo waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa isina kuvhenganiswa mumukombe wehasha dzake; uchatambudzwa mumoto nesarufa pamberi pavatumwa vatsvene, napamberi pegwayana.
Shona SUB 2002 Bible
naiye achanwawo waini yokutsamwa kwaMwari, yakadirwa isina kuvhenganiswa mumukombe wehasha dzake; achatambudzwa mumoto nesuriferi pamberi pavatumwa vatsvene, napamberi peGwayana.