Revelation 14:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ndakanzwa inzwi ricibva kuɗeŋga, riciti: Nyora, uti: Ʋakafa, ʋanofira munaShe, ʋakaropafadzwa kubva ɀino. Hoŋo, ndiɀo ɀinotaura Mŋeya, kuti ʋazorore pakuɓata kwaʋo kukuru, nokuti maɓasa aʋo anoʋateʋera.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga richiti, “Nyora uti: Vakaropafadzwa vakafa vanofira muna She kubva zvino.” “Hongu,” ndizvo zvinoreva Mweya, “vachazorora pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo achavatevera.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakanzwa izwi richibva kudenga richiti, “Nyora izvi zvokuti: ‘Vakakomborerwa vanofira muna Tenzi, kubvira zvino zvichienda mberi.’ “Vakakomborerwa zvechokwadi, ndozvinotaurwa naMweya. Vachazorora pamabasa avo, nokuti zviito zvavo zvinovatevera.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo ndakanzwa izwi richibva kudenga, richiti, “Nyora, uti: Vakafa, vanofira muna Ishe, vakaropafadzwa kubva zvino. Hongu, ndizvo zvinotaura Mweya, kuti vazorore pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo anovatevera.”
Shona 2009?
Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga, richiti: kwandiri Nyora, uti: Vakafa, vanofira munaShe, vakaropafadzwa kubva zvino. Hongo, ndizvo zvinotaura Mweya, kuti vazorore pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo anovatevera.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo ndakanzwa izwi richibva kudenga, richiti, “Nyora, uti: Vakafa, vanofira muna Ishe, vakaropafadzwa kubva zvino. Hongu, ndizvo zvinotaura Mweya, kuti vazorore pakubata kwavo kukuru, nokuti mabasa avo anovatevera.”