Revelation 14:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino mumŋe mutumŋa wakaɓuɗa mutembere, akaɗanidzira nenzwi guru kunaiye wakaŋga agere pamsoro pegore, aciti: Tumai jeko renyu muceke; nokuti ŋguʋa yokuceka yaȿika, nokuti kuceka kwenyika kwaibva.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo mumwe mutumwa akabuda mutemberi uye akadanidzira nenzwi guru kuna iye akanga agere pagore akati, “Tora jeko rako ugokohwa, nokuti nguva yokukohwa yasvika, nokuti goho renyika raibva.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe mutumwa akabuda muTemberi achidanidzira nezwi guru kuna uya akanga agere pagore achiti, “Shandisa jeko rako ukohwe nokuti nguva yokukohwa yasvika, kukohwa pasi kwasvika.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mumwe mutumwa akabuda mutemberi, akadanidzira nezwi guru kuna iye akanga agere pamusoro pegore, achiti, “Tumai jeko renyu mucheke; nokuti nguva yokucheka yasvika, nokuti kucheka kwenyika kwaibva.”
Shona 2009?
Zvino mumwe mutumwa wakabuda mutembere, akadanidzira nenzwi guru kunaiye wakanga agere pamusoro pegore, achiti: Tumai jeko renyu mucheke; nokuti nguva yokukohwa yenyu yasvika, nokuti kukohwa kwenyika kwaibva.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino mumwe mutumwa akabuda mutemberi, akadanidzira nezwi guru kuna iye akanga agere pamusoro pegore, achiti, “Tumai jeko renyu mucheke; nokuti nguva yokucheka yasvika, nokuti kucheka kwenyika kwaibva.”