Revelation 14:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nomumŋe mutumŋa wakaŋga anesimba pamsoro pomŋoto, akaɓuɗa paartari, akaɗanidzira nenzwi guru kunaiye wakaŋga anejeko rinopinza, aciti: Tumai jeko renyu rinopinza, muceke masumbu omuzambiriŋga wenyika, nokuti mazambiriŋga ayo aibva.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumwezve mutumwa, akanga ane simba pamusoro pomoto, akabuda achibva paaritari akadanidzira nenzwi guru kuna iye akanga ane jeko rinopinza akati, “Tora jeko rako rinopinza ugounganidza masumbu amazambiringa anobva pamuzambiringa wenyika, nokuti mazambiringa awo aibva.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwe mutumwa akabuda achibva kuatari; aiva nesimba rokutonga zvomoto akadanidzira nezwi guru kuna uya akanga ane jeko rinopinza achiti, “Shandisa jeko rako uunganidze zvisumbu zvamagirepisi apanyika nokuti magirepisi ayo aibva.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nomumwe mutumwa akanga ane simba pamusoro pomoto, akabuda paaritari, akadanidzira nezwi guru kuna iye akanga ane jeko rinopinza, achiti, “Tumai jeko renyu rinopinza, mucheke masumbu omudzambiringa wenyika, nokuti madzambiringa ayo aibva.”
Shona 2009?
Nomumwe mutumwa wakanga anesimba pamusoro pomoto, akabuda paaritari, akadanidzira nenzwi guru kunaiye wakanga anejeko rinopinza, achiti: Tumai jeko renyu rinopinza, mucheke masumbu omuzambiringa wenyika, nokuti mazambiringa ayo aibva.
Shona SUB 2002 Bible
Nomumwe mutumwa akanga ane simba pamusoro pomoto, akabuda paatari, akadanidzira nezwi guru kuna iye akanga ane jeko rinopinza, achiti, “Tumai jeko renyu rinopinza, mucheke masumbu omuzambiringa wenyika, nokuti mazambiringa ayo aibva.”