Revelation 14:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ndakanzwa inzwi ricibva kuɗeŋga, senzwi remvura zhinji, ʋuye senzwi rokutinhira kukuru; nenzwi randakanzwa rakaŋga rakaita seraʋaridzi ʋoruɗimbga ʋaciridza ʋuɗimbga bgaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye ndakanzwa inzwi richibva kudenga rakaita somubvumo wemvura zhinji uye samaungira omutinhiro. Inzwi randakanzwa rakanga rakaita seravaridzi vorudimbwa vanoridza rudimbwa rwavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakanzwa izwi richibva kudenga samapopopo emvura zhinji uye sokudhiriridza kwemheni kukuru. Izwi randakanzwa rainge vanhu vari kuridza madimbwa avo
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo ndakanzwa izwi richibva kudenga, sezwi remvura zhinji, uye sezwi rokutinhira kukuru; nezwi randakanzwa rakanga rakaita seravaridzi vorudimbwa vachiridza madimbwa avo.
Shona 2009?
Ipapo ndakanzwa inzwi richibva kudenga, senzwi remvura zhinji, uye senzwi rokutinhira kukuru; nenzwi randakanzwa ranga rakaita seravaridzi vorudimbwa vachiridza vudimbwa bwavo.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo ndakanzwa izwi richibva kudenga, sezwi remvura zhinji, uye sezwi rokutinhira kukuru; nezwi randakanzwa rakanga rakaita seravaridzi vorudimbwa vachiridza madimbwa avo.