Revelation 14:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ciȿiniro cikatsikwa kunze kweguta, ropa rikaɓuɗa muciȿiniro rikaȿika pamatomo amabiza, rikaenda mastadia anecuru cinamazana matanhatu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akatsikwa muchisviniro, kunze kweguta, uye ropa rikayerera richibuda muchisviniro rikakwira kusvikira pamatomu amabhiza kwechinhambwe chinoita makiromita mazana matatu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muguvi makakanywa kunze kweguta ropa rakapopoma richibva muguvi zvokusvika pamatomhu ebhiza kukwira namazana matatu amakiromita kureba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Chisviniro chikatsikwa kunze kweguta, ropa rikabuda muchisviniro rikasvika pamatomo amabhiza, rikaenda masitadhia ane chiuru china mazana matanhatu.
Shona 2009?
Chisvinuro chakatsikwa kunze kweguta, ropa rikabuda muchisvinuro rikasvika pamatomu amabhiza, rikaenda mastadia anechuru chinamazana matanhatu.*
Shona SUB 2002 Bible
Chisviniro chikatsikwa kunze kweguta, ropa rikabuda muchisviniro rikasvika pamatomo amabhiza, rikaenda masitadhia ane chiuru china mazana matanhatu.