Revelation 14:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaimba rwiyo rutȿa pamberi pecigaro coʋushe, napamberi peɀisikwa ɀipenyu ɀinna, naƲakuru; hakunomunhu wakagona kudzidza rwiyo urwu, asi ʋaya ʋaneɀuru ɀinezana namakumi manna naʋanna, ʋakadzikinurwa ʋacibva panyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uye vakaimba rwiyo rutsva pamberi pechigaro choushe napamberi pezvisikwa zvipenyu zvina uye napamberi pavakuru. Hakuna munhu aigona kudzidza rwiyo urwo kunze kwaava zviuru zana namakumi mana navana vakanga vadzikinurwa kubva panyika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
vachiimba rumbo rutsva pamberi pechigaro choumambo pamberiwo pezvisikwa zvipenyu zvina zviya napamberi pavakuru vakuru vaya. Hapana aikwanisa kudzidza rumbo irworwo kunze kwavaya zviuru zana namakumi mana ane zvina vakanunurwa panyika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakaimba rwiyo rutsva pamberi pechigaro choushe, napamberi pezvisikwa zvipenyu zvina, naVakuru; hakuna munhu akagona kudzidza rwiyo urwu, asi vaya vane zviuru zvine zana namakumi mana navana, vakadzikinurwa vachibva panyika.
Shona 2009?
Vakaimba rwiyo rutsva pamberi pechigaro chovushe, napamberi pezvisikwa zvipenyu zvina, naVakuru; hakunomunhu wakagona kudzidza rwiyo urwu, asi vaya vanezvuru zvinezana namakumi mana navana, vakadzikinurwa vachibva panyika.
Shona SUB 2002 Bible
Vakaimba rwiyo rutsva pamberi pechigaro choushe, napamberi pezvisikwa zvipenyu zvina, naVakuru; hakuna munhu akagona kudzidza rwiyo urwu, asi vaya vane zviuru zvine zana namakumi mana navana, vakadzikinurwa vachibva panyika.