Revelation 14:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiʋo ʋasina‐kuȿiɓiswa naʋakadzi; nokuti ʋakanaka se mhandara. Ndiʋo ʋanoteʋera Gwaiana kwose kwarinoenda. Ndiʋo ʋakadzikinurwa pakati paʋanhu, kuti ʋaʋe ɀiɓereko ɀokutaŋga kunaMŋari nokuGwaiana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ava ndivo vaya vasina kuzvisvibiswa navakadzi, nokuti vakazvichenesa. Vanotevera Gwayana kwose kwarinoenda. Vakatengwa pakati pavanhu uye vakapiwa kuti vave sezvipiriso zvezvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ava ndivo vasina kuzvisvibisa navakadzi vakachengeta utsvene hwavo ivava ndivo vanotevera Hwayana kose kwainoenda, ivava ndivo vakanunurwa muvanhu somuchero wokutanga kuna Mwari nokuHwayana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndivo vasina kusvibiswa navakadzi; nokuti vakanaka semhandara. Ndivo vanotevera Gwayana kwose kwarinoenda. Ndivo vakadzikinurwa pakati pavanhu, kuti vave zvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana.
Shona 2009?
Ndivo vasina kusvibiswa navakadzi; nokuti vakanaka semhandara. Ndivo vanotevera gwayana kose kwarinoenda. Ndivo vakadzikinurwa pakati pavanhu, kuti vave zvibereko zvokutanga kunaMwari nokugwayana.
Shona SUB 2002 Bible
Ndivo vasina kusvibiswa navakadzi; nokuti vakanaka semhandara. Ndivo vanotevera Gwayana kwose kwarinoenda. Ndivo vakadzikinurwa pakati pavanhu, kuti vave zvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana.