Revelation 14:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndakaʋona mumŋe mutumŋa acibururuka pakati peɗeŋga, aneEvaŋgeri isiŋgaperi, kuti aiparidzire ʋanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose, naʋanhu ʋose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo ndakaona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pechadenga, uye akanga ane vhangeri risingaperi kuti aparidzire avo vanogara panyika, kundudzi dzose, namarudzi ose, nendimi dzose uye navanhu vose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakazoona mumwe mutumwa achibhururuka mudenga aine Shoko Rakanaka rokugara nokugara rokuparidza vanhu vanogara pasi pano munyika dzose, namarudzi ose nendimi dzose navanhu vose.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndakaona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pedenga, ane Vhangeri isingaperi, kuti aiparidzire vanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose nendimi dzose, navanhu vose.
Shona 2009?
Zvino ndakavona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pedenga, aneevhangeri isingaperi, kuti aiparidzire vanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose, nendimi dzose, navanhu vose.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndakaona mumwe mutumwa achibhururuka pakati pedenga, ane Vhangeri isingaperi, kuti aiparidzire vanogara panyika, namarudzi ose, nendudzi dzose nendimi dzose, navanhu vose.