Revelation 14:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Akati nenzwi guru: Ityai Mŋari, mumurumbidzei; nokuti ŋguʋa yake yokutoŋga yaȿika; namatai iye, wakasika ɗeŋga, nenyika, neguŋgwa, namatsime emvura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati nenzwi guru, “Ityai Mwari uye mumupe mbiri, nokuti nguva yokutonga kwake yasvika. Namatai iye akaita matenga, nyika, gungwa namatsime emvura.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Akadaidzira nezwi guru achiti, “Ityai Mwari mumupe mbiri nokuti nguva yake yokutonga yasvika. Munamatei iye akasika denga napasi negungwa nezvisipiti zvemvura.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati nezwi guru, “Ityai Mwari, mumurumbidze; nokuti nguva yake yokutonga yasvika; namatai iye, akasika denga, nenyika, negungwa, namatsime emvura.”
Shona 2009?
Akati nenzwi guru: Ityai Mwari, mumurumbidzei; nokuti nguva yake yokutonga yasvika; namatai iye, wakasika denga, nenyika, negungwa, namatsime emvura.
Shona SUB 2002 Bible
Akati nezwi guru, “Ityai Mwari, mumurumbidze; nokuti nguva yake yokutonga yasvika; namatai iye, akasika denga, nenyika, negungwa, namatsime emvura.”