Revelation 14:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo mumŋe mutumŋa wakateʋera, aciti: Rawa, Rawa, Babironi, guta guru, rakanwisa marudzi ose waini yokutsamŋa kwoʋupombge bgaro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mutumwa wechipiri akatevera akati, “Rawa! Rawa Bhabhironi Guta Guru, rakaita kuti ndudzi dzose dzinwe waini inopengesa youpombwe hwaro.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mumwewo mutumwa wechipiri akatevera achiti, “Guta guru reBhabhironi raparara, raparara. Raparara iro rainwisa nyika dzose waini yehavi dzaro dzakaipa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo mumwe mutumwa akatevera, achiti, “Rawa, Rawa, Bhabhironi, guta guru, rakanwisa marudzi ose waini yokutsamwa kwoupombwe hwaro.”
Shona 2009?
ipapo mumwe mutumwa wakatevera, achiti: Rawa, Rawa, Bhabhironi, guta guru, rakamwisa marudzi ose waini yokutsamwa kovupombwe bwaro.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo mumwe mutumwa akatevera, achiti, “Rawa, Rawa, Bhabhironi, guta guru, rakanwisa marudzi ose waini yokutsamwa kwoupombwe hwaro.”